3 Week Old Baby Stolen, Relatives Appeal for Information
24 October 2020
Spread the love

A 3 week-old baby was kidnapped at Spar in the avenues area, Harare on the 22nd of October.

The alleged abductor had offered to assist the mother who was shopping at the time after the baby had started crying.

The abductor is seen on CCTV footage leaving the premises with the baby soon afterwards. The story is narrated below in the Shona language.

Mamuka sei Mhuri yeZimbabwe kumativi mana kwamuri.
Ndinokumbira rubatsiro rwenyu.
Hanzvadzi yangu nezuro yakaenda kuchipatara Che Parirenyatwa muguta reHarare ne mwana wake mucheche .
Akasangana nemumwewo mukadzi ayiti akange awuyawo kuzoona Hama yake yaive pachipatara apa kumaternity.
Asi hanzvadzi yangu yaiti mukadzi uyu akambomuona kamwechete kuDzivarasekwa kuno ndiko kunogara hanzvadzi yangu. 


Zvadero vakafambidzana kubva pachipatara vachipinda mu town.
Vave Kuma avenues pa spar hanzvadzi yangu yaida kutenga drink mu spar apa mwana akatanga kuchema mukadzi uyu akati ndipe ndisare ndakabata mwana wonditengerawo ma pampers. 


Hanzvadzi yangu yapinda mu spar muya saka anoti paive mu line Kuti abhadhare zvinhu zvaakange atenga mukadzi uyu akange ofamba achiita sekunge avekuenda hanzvadzi yangu ikati komakuenda kupi? Mukadzi uya akati handiripo mungati ndingakubirai mwana here bhadharai henyu ndiripo.
Hanzvadzi yangu ichipedza kubhadhara haina kuzoona Kuti munhu afamba sei .
Akazotakurwa nevamwe nemota kuenda Ku Police.


Kwakuzodzoka ne mapurisa pa spar Iya zvinonzi pane ma CCTV vakatoona mukadzi uyu achitiza nemwana.
Mapurisa haasati atipa picture ye mukadzi uyu. 


Saka Hama dzangu kana pane akaonawo kana kuziva munhu ane mwana mucheche mukomana waanofungidzira Kuti haasi wake please ndibatsireiwo.
Mwana ane 3 weeks abarwa aripamukaka wamai vake.
Munogona Kuti bata pa number dzinotevera
+27 731179355
+263 77237 7693
+263 773160594

Kunewe mukadzi akaba mwana ndokumbirawo udzose Timiranashe Chadwick arimupenyu
????????
Ndatenda