Jah Master Apologizes For Kicking Fan
27 October 2020
Spread the love

Makadii Ruzhinji Rwe Zimbabwe. Ndinonyara kuuya pano mangwanani ano nekuti ndakaita zvinonyadzisa ndakaita zvisingatarisirwe kubva chero kunani zvake.

Zvandakaita hazvina kana justification asi ndati ndiuye pano ndichikumbira ruregerero.

Ndiregerereiwo nezvandakaita zvinonyadzisa ndinoda kuuya pano ndichivimbisa kuti hazvife zvakaitika.

Naizvozvo nhasi ndiri kunotsvaga mkomana uyu and make sure medical checks are done kuti paonekwe kana asina kukuvara and also all proceeds from the show will go to him as compensation.

Takataura naye after show and I apologised for my behavior handiziye ndakapindwa nei.

Ndiregereiwo mundipewo zuva rimwe kana maviri ekugadzirisa mhosva yangu iyi.

Ndinotenda vese vari kunditsiura uyezve vese vari kuisa ma message mu inbox ikodzero yenyu nekuti zvandakaita izvi zvinhu zvisingatarisirwe uye hazvina hunhu.

Ndichazodzoka pano ne update kuti inenge yava papi nyaya iyi.

Muve nezuva rakanaka- Jah Master