Muporofita Ozvisikira Moto Muziso Mushure Mekuroya Murume NeRunyoka
19 June 2021
Spread the love

Muporofita anogara Masvingo Isaac Makomichi uyo anozikanwa nemishonga yake yaanonotora kuGhana yekupfuhwira varume,anonzi ari panguva yakaoma mushure mekuroya munhu nerunyoka

Makomichi ari kupomerwa mhosva yekupa imwe pfambi mushonga werukawu wekuti murume anenge amusiya arware uye kuita munyama kana kuzvimba makumbo

Mhuri ya Anymore Banda wemumusha weBudiriro vanoti vari kuinda kunosiya Anymore pamba paMakomichi kusvika apora kana kuti afirepo,mhuri iyi inoti hama yavo yakaroiwa nepfambi mushure mekunge yabata kuti pfambi iyi yaive nechirwere

Aimbova shamwari yaShuvai iyo pfambi inonzi ine huroyi anoti Shuvai ane mushonga waakupuwa kwaMakomichi waisanganiswa netsvina yeimbwa

Ukuwo murume ari mumusha weChitungwiza akabuda paKwayedza svondo rakapera,uyo akazvimba gumbo mushure mekusiyana nepfambi,murume uyo shamwari dzake dzinotiwo gerofurendi yake yaigaroinda kuMasvingo uko vanoti akanopiwa mushonga wekukaurisa shamwari yavo asi havazivi kuti kwaainda kwacho ndekupi

Vedzimwewo dzisvondo vanoti Makomichi muroyi chaiye nekuti haukuvadzi munhu nekuti akuramba kana nekuda kwekuti akutorera murume

Veruzhinji vanoti mushonga uyu wakauyiwa nawo mwedzi wakapfuura apo Makomichi akukanda video pa internet ari mundege achibva kuGhana

“Handina munhu wandakaroya uye handina mushonga,kana munhu ukabvuta munhu wemunhu unozorwadziswawo,uye kutambisira munhu nguva yake kuno kuvadziva” anodaro Makomichi patamubvunza nyaya iyi