VaMwonzora Voenda PaKirawa Kundotsvaka Raki
30 August 2021
Spread the love

NaMorgan Zvemangororo

Mutungamiri webato reMDC-T va Douglas Mwonzora vanonzi vari panguva yakaoma, apo vari kutsvaga mudiwa diwa wekudiwa neshirikadzi dzine upfumi…

Vhiki dzakapera vaMwonzora vanonzi vaiva kuMasvingo,uko vanonzi vakaindawo kune imwe shasha yemashura,apo vaitsvaga kufarirwa nechaunga kuburikidza nemashura amufundisi Isaac Makomichi avo vanonzi mapipi avo ano fambisa makomo uye kupfumisa vanhu.

Madzibaba Stebnage vemumusha weHarare vanotiwo vaMwonzora vakambouyawo kwavari,apo vaitsvaga mudiwa-diwa wekudiwa nevakadzi vane upfumi uye kukudza bato ravo.

“Madzibaba Mwonzora vakauya vachida vachi kumbira susukidzo yebato ravo uye mhanza yakapenya yekudiwa nevakadzi vane hupfumi. Ndaka vaudza kuti pano hatidero. Ndakazonzwa mumapepa nhau konzi vainge vaindazve kwaMakomichi,baba ava vachaguma varomba nemadiro ava noita mamai,simba uye upfumi. Vakauya pano nemari tikavati dzokerai henyu nayo” vanodaro madzibaba Stebnage

VaMwonzora vanonzi ndivo vari kushamwaridzana ne Zanu PF uye vanonzi pese pano taurwa zita ravaChamisa vanoita kunge vachatiza nekutya.

“Mutengesi uyo ano nyadzisa,ngaasiyane ne politics,” anodarawo umwe muongorori wepolitics.

VaMwonzora