Madzibaba Chimusoro Vopomerwa Kushandisa Zita raVP Chiwenga Kubvuta Midziyo Yevanhu Nechisimba
20 September 2021
Spread the love

Morgan Zvemangororo

Munhau yekurwisana kwema positori, apo vachirwira ma stands ari kusowe ramadzibaba Enoch kubudiriro 4 extension, izvo zvapa kuti Clifford Chimusoro,
Muchneripi Utete na
Taurai Munyika vanzi vaka tsvaga masoja kuti ashungurudze madzibaba Enoch uye kuvaudza kuti vabve pasowe ravo

Runyerekupe rwunoti Chimusoro ano shandisa zita raVachiwenga ivo vanova mutevedzeri wemukuru wenyika pakutora kwaanenge achiita midziyo nezvinhu zvavanhu. Umwe mutendi wekereke yeJohane Masowe Nyenyedzi nomwe anoti dai vasiri va Valerio Sibanda vano tsiura masoja avo Chimusoro angadai akapamba zvinhu zvevanhu vazhinji achi shandisa masoja

“Kana dziri chokwadi kuti Madzibaba Chimusoro vano shandisa mauto kupamba zvinhu zvevanhu, zvinoreva kuti vano fanira kusungwa uye masoja iwayo ngaafumurwe adzingwe basa” anodaro umwewo muongorori wezve matongerwo enyika

Hatina kukwanisa kubata madzibaba Chimusoro kuti tinzwe divi ravo, asi hama yavo inoti ose ayo manyepo.

Madzibaba Enoch ava vanozikanwa nembiri yekuporofita uye kurapa vanorwara nepfungwa.