Gomo Ibva #Ngaapinde Hake Mukomana!!!
25 September 2021
Spread the love

By Jeffryson Chitando

Kana unekutenda hapana chinokutadzisa kuti ” Gomo ibva uye richibva!”

Muupenyu hwemunhu mune makomo akakura asi kana unekutenda unogona kuti rimwe nerimwe gomo riri muupenyu hwako ibva.

Vana veZimbabwe kana vachiona hutongi hweZanuPF vaoona gomo risina ukwiriko.Vanoona gomo rizere zvikara zvinoti ZEC, Masoja, Mapurisa, ZanuPF militia, Madzishe uye zvimwe zvakawanda zvinoita vatye kuti chokwadi gomo iri ringabva seiko?

Gomo rinoda kuudzwa kuti ibva chete.Tose tinoziva Jericho yakadonha vanhu vese vatenderera vachiridza hwamanda nokuimba.

Chiri kudiwa munhu wese ngaaridze hwamanda yake nokuenda kunonyoresa kuvhota.Musi wekuvhota tose tinofanirwa kuenda kunotenderera Jericho tichiimba rwiyo rweshanduko “#NgaapindeHakeMukomana” .Gomo tinorishaya .Mawondomokere akaita Jericho ndiwo anoita ZanuPF naMnangagwa gwendo guno kana mese mune kutenda.

??✋???Patriotic Papa JC speaks when things are not good

Jeffryson Chitando