Murume wemuKwekwe uyo anonzi aitozvishandira achikorokoza, kunonzi ava kuswera achingopota nemadziro achikotsira izvo zvavakukonzera kuti zvikomba zvisvike pakubayana nemapanga zvichirwira mudzimai wake iye achingoti pedzeranai
Chiitiko ichi chiri kutemesa vamwewo makorokoza musoro, apo mukadzi uyu ari kurwirwa anonzi akanotora gona iri kuMasvingo kwaMakomichi uko kunonzi kunoindwa nevanhu vachinotora mapipi ehupfumi uye mupfuhwira
Ruzhinji runoti murume uyu akatodyiswa zvakawuraya pfungwa dzake,ukuwo vehukama vanoti vakainda kwaMakomichi asi muzvinamapipi uyu akati rudo vaviri wetatu rava guhwa.Mukoma Maxie vanonzi vanotosvika pakuwachira mukadzi uye kuita mabasa emumba iye achiita nyaya nevarume vanosvikapo achiti ishamwari dzake
Maxie mumashoko ake anoti haaoni chakaipa pakudana nemukadzi wake uye pakumubvimidza kuita masahwira nekumubatsira basa
Vamwewo vafundisi vanoti dai Makomichi achitanga aita wongororo zhinji yezvinozoitika mberi asati abatsira munhu nemupfuhwira wakashatisa kudai uyu
Muzvinamapipi anoti haatoziviwo kuti vanotora mafuta aya vanonomashandisa vachitaura kuti kudii,anoti vanhu vanouya vachiti toda kunomisa dzimba dzedu dziri kunetsa
” [29/06, 12:07] +263777469342: Leave me alone,ini ndongopa munhu futa raanenge ati anoda,zvekuzoti anorishandisa achitaura kuti chii zvava zvakewo.Handizoudziri munhu zvekutaura kana oshandisa,dai ndaiziva kuti anoda kuzopusisa munhu kana kuita chipfambi handingabvumi nekuti Mwari havadi chipfambi asi kuvaka dzimba.”
Anodaro Makomichi mu massage yaanotumira munyori wedu,apo achizama kutiza nyaya