Izororo Ramagamba, Nhai?
8 August 2022
Spread the love

Chirikure Chirikure (1989)

Izororo ramagamba,
Kuremekedza vaya,
Vakaisa nyika mberi,
Upenyu hwavo mumashure.

Izororo ramagamba,
Mabhawa akati pa-a,
Zvikari, mabhotoro, zviri kuzeya,
Ronwiwa zvese nevana varo.

Izororo ramagamba,
Mvana nemachinda adzo,
Ibishi mumakwenzi, makoronga, nemumotikari,
Kupana njovhera murudo rwekunyepera.

Izororo ramagamba,
Vane mari namasimba,
Vari kumveyesana, nyama ichigochwa,
Uku vachiruka mazano ekumora imwe mari.

Izororo ramagamba,
Nyika yose iri mujakwatira rorufaro,
Magamba ari kudyiwa nehonye,
Mhuri dzavo dziri mumisodzi.

Izororo ramagamba, nhai?

©️ Chirikure Chirikure (1989)
*Rukuvhute, College Press Publishers, Harare