Musoro Wedatya,Ropa Rekunguva;Housegero Akadyisa Murume Wangu
20 September 2022
Spread the love

Mukadzi wemuguta reHarare mai Makuni vochenjedza vanhukadzi,kuti vangwarire vasikana vebasa nekuti vavakudyisa varume vevarungu vavo kusvika vaputsa musha

Izvi zvakataurika mushure mekuwanda kwenyaya dzedzimba dzakaputswa naana sisi vebasa vachitiza nevarume vevanhu kuburikidza nekuvaisira mupfuhwira wekupusisa uyo unonzi unosanganiswa musoro wedatya uye ropa rekunguva (datya rinongotizira kumvura saka murume anonzi anenge ongotizira kune uya amudyisa) kunonzi zvinhu izvi zviri kusanganiswa neimwe powder yeGhana inopiwa vanhu na slayqueen godfather Isaac Makomichi weMasvingo

Mukadzi uyu anoti murume wake akamudzinga pamba akasara ogarwa namarwei uyo aimbova musikana webasa,anotizve imwe nguva akatomboona parcel yainge yabva kunaMakomichi asi maid akati mishonga yekugeza minyama sezvo aisirota achiitwa mukadzi nevanhu vaasingazivi

Nyaya dzakadai dzatekeshera munyika uye vese vanozotora mbinga dzevanhu vanozoonekwa kuti vashandirwi vaMakomichi

“Ngwarai vasikana kwashata kunze uko,ndakatomuona nepasuro yasvika neDhl ndikavhura ndikatoona powder yegreen nezita nenumber dzaiti 0777469342 dzaive dzemunhu akazvitumira

Panguva iyoyo ndaisaziva kuti munhu wacho ndiani.Hapana kupera mwedzi ndakanga ndatodzingwa pamba,mukomana aitamba na maid ndiye akatoti ndakapiwa mari kutsvaga musoro wedatya nemusikana wenyu webasa,ndinofungidzira kuti ndipo paakatogadzira murume wangu wemakore makumi mana

Ndiri munzira kuindako Masvingo kwaakautora ndinoonesana nemunhu iyeye akamupa,ngavangwarirwe vasikana ava nekuti vamwe vacho vari kuputsa misha nenzira yaMakomichi iyoyi” anodaro mudzimai akashungurudzwa nemunhu aiva mushandi wemumba

Vamwewo vafundisi vanoti ngwarirai vanhu vamunopinza basa nekuti dzimwe ipambi uye vanoti Makomichi ngaatange awona kuti munhu anoda mupfuhwira uyu anoda kuushandisira ani

Mutauriri waMakomichi anoti zvemusoro wedatya neropa rekunguva manyepo,anotizve musikana uyu paakatora anointed love potion haana kuzivisa kuti anoda kunoupa ani.- Morgan Zvemangororo