Mwonzora Mocks Zimbabweans ?
30 September 2022
Spread the love

Umwewo mutengesi anozikanwa nekutengesa zvido zvevanhu kuZanu PF anonzi Douglas Mwonzora, kunonzi akatsamwisa vanhu zvikurusa,muzhure mekuita dambe nemashoko ekuti kana ndikatonga ndichadzidzisa maZimbabwean kugona kugeza.

Kunonzi vaMwonzora vanoti dai maZimbo vaigona kugeza sevanhu vekuSouth Africa zvinhu zvingadai zvakanaka

Mashoko aya anonzi akapawo kuti ruzhinji rweZimbabwe rushoropodze mutengesi uyu.Mukuru uyu aimbofarirwawo neZanu PF achipiwa mari zhinji,asi mushure mekupesana nen’anga dzake,zvinhu zvake zvava manyama amire nerongo uye hapana kana achamufarira

Tabatawo umwe wevaimbosibetsera vaMwonzora nemaposheni eraki,kuti tinzwewo maonero avowo pamusoro pemashoko emushandirwi wavo ayo ekuti maZimbo havagoni kugeza kusanganisira naivowo mufundisi Isaac Makomichi sezvo vari chizvarwa chemuno


[29/09 13:44] +263 77 746 9342: Uya murume uya ini handichitorina remuromo nezvake,kwangu ndakatomubhana uye ndotozvidemba kuti ndaimupirei maluck.Kana dziri shuwa kuti akadero ummm akarasa muromo” anodero Makomichi uyo ashorawo mashoko emurapwa wake

Vedzimwewo dzisvondo nevematongerwo enyika vanoti mashoko akadero haataurwi nemunhu angazova mutungamiri kana wedhibha zvaro