Love Juju Yopanduka;Chuma ChekuGhana Choshanduka Kuita Mhungu?
5 October 2022
Spread the love

Morgan Zvemangororo

Runyerekupe runoti umwe musikana wemuHarare uyo anozikanwa nembiri yekutora mbinga,anonzi ari panguva yakaoma mushure mekunge chuma cherudo chaakapiwa naMakomichi kunonzi chiri kupinduka kuita nyoka yerudzi rwemhungu chichitevera zvikomba kuti zviwuyise mari kuhazvanzi yerudo iyi

Nyoka iyi inonzi inoonekwa kuhope yakapfeka chiso chemusikana anenge ashereketerwa,izvo zvirikupa kuti mbinga dzitize vamwe vasikana dzichiinda kune hazvanzi yerudo iri kushandisa chuma ichi

“Zvanyanya now,hakuchashand ike nekuti ndiye akungotora varume.Ukangoita mbinga yako chete iye akangoida unobva watozviruza,unongonzwa munhu wako achiti ndakurota une musoro wenyoka, the next thing watosiiwa,mangwana wotoona munhu wako atotorwa nepfambi iyoyi.Vanhu vari kutya kumudura nekutya kuurawa asi havasi kufara uye tichamuindira Mozambique” anoderowo umwe aramba kutaurwa zita anotengesa muviri kumbinga

Vamwewo vanoti chuma chaMakomichi ndicho chinoita masaramusi awa asi panenge pasina nyoka asi inzira yekuti iye anochipfeka atore varume vese

Mutauriri wamufundisi Isaac Makomichi ati haagoni kutaura chinhu

“Handina comment, talk to him on his number 0777469342 , sekuziva kwako kuti vari kuSA saka vabatei mega or mirirai vagodzoka” massage kubva kumutauriri waMakomichi