Umwe mufundisi weMasvingo mumusha weRujeko,ari kupomerwa mhosva yekunzi arura chose nehavi yokuda mamai
Zvinonzi akaudza umwe mukadzi kuti mweya wanditi rambai murume mekuti haasi kukugutsai pabonde.Shasha yeruchiva iyi yakakurumbira kutanga kwegore apo yakatorana nemukadzi wemwana wesangano ainge avapa Funcago yokufambisa,murume wehavi anonzi akazotora zvese motika nemukadzi,izvo zvakazoputsa imba yevaviri
Veruzhinji vanoti Rushiri anoitawo ma miracles enhema evanhu vaanenge atenga kana kuudzwa information nema usher ake,kunonzi minana iyi neshoko ndizvo zvaanoshandisa kunyedzera vanhukadzi
Vanhukadzi vemuguta reMasvingo vari kukurudzirwa kuti vasarega vanasikana uye vakadzi vavo vachiinda kuchifeve ichi
“Avo vakurusa panyaya dzenyengo,domba ravanaro vanenge vakaroiwa newakafa chaiko,kutozviti commander 1 iko kuri kuputsa misha dzevanhu” anodaro shamwari yemurume akatorerwa motika zvese nemukadzi wake naRushiri
Hatina kukwanisa kubata Rushiri nekuti nhare yake yaramba kubatika