New Gumbura Emerges In Masvingo, Pastor R*shiri Vorura NeVakadzi Vevanhu?
5 November 2022
Spread the love

Umwe mufundisi weMasvingo mumusha weRujeko,ari kupomerwa mhosva yekunzi arura chose nehavi yokuda mamai

Zvinonzi akaudza umwe mukadzi kuti mweya wanditi rambai murume mekuti haasi kukugutsai pabonde.Shasha yeruchiva iyi yakakurumbira kutanga kwegore apo yakatorana nemukadzi wemwana wesangano ainge avapa Funcago yokufambisa,murume wehavi anonzi akazotora zvese motika nemukadzi,izvo zvakazoputsa imba yevaviri

Veruzhinji vanoti Rushiri anoitawo ma miracles enhema evanhu vaanenge atenga kana kuudzwa information nema usher ake,kunonzi minana iyi neshoko ndizvo zvaanoshandisa kunyedzera vanhukadzi

Vanhukadzi vemuguta reMasvingo vari kukurudzirwa kuti vasarega vanasikana uye vakadzi vavo vachiinda kuchifeve ichi

“Avo vakurusa panyaya dzenyengo,domba ravanaro vanenge vakaroiwa newakafa chaiko,kutozviti commander 1 iko kuri kuputsa misha dzevanhu” anodaro shamwari yemurume akatorerwa motika zvese nemukadzi wake naRushiri

Hatina kukwanisa kubata Rushiri nekuti nhare yake yaramba kubatika