S*x Workers Vouya Neinonzi “Toita Y*kedero ForED”, Voramba Condom Hanzi ndereYellow
23 November 2022
Spread the love

Morgan Zvemangororo

Chishamiso muChitungwiza apo vamwe sisi vanotengesa muviri Evelyn vati tatanga neinonzi “Toita Yekedero ForED” , vachiti ivo condom ndere yellow saka hupanduki

Evelyn uyo anonzi akatovakira vabereki imba nebasa iri uye kuindisa vatevedzani vake kuzvikoro zvinodhura, anonzi ishashawo mukufamba mudzin’anga

Kutanga gore rakapfuura Evelyn anonzi aingoonekwa ari kwaIsaac Makomichi muporofita weMasvingo uyo aipa Moana waGinimbi miti yenyengo uye kupa Mwonzora mudiwa-diwa neraki remari, kunonziwo musikana uyu aimboindawo kuMoza achitevedza makona ekudiwa

“Chirongwa ichi chichasimudzirawo vechidiki pakunakirwa uye condom ndere yellow saka rinozopa tipanduke,tafara zvikuru neToita Yekedero ForED” anodaro Theresa uyo anoti ndiye Secretary General we T.Y. ForED

Kubva zvatanga bato reCCC zvakapa kuti hurumende yaED ivhunduke chose uye kungoti chakati chinoti ForED iri nzira yekupererwa nenzira dzekukwezva vanhu