Madzibaba: Hanzi Shashal waLevelz Akakonana Nen’anga Yaimupa Muti Ikamuitira Mhiko
27 November 2022
Spread the love

Umwe madzibaba anonzi Maikoro wemuHarare ane mbiri yekuporofita nekubatsira anoti Shashal akaputsa mhiko dzemiti yapapa Isaac Makomichi uye haana kubhadhara zvakanaka makona awa kusvika aitirwa mhiko yekuti zvidhakwe

“Musikana uyu akapiwa love potion naMakomichi pastor vaya vemapipi veMasvingo vaipa Moana miti yekudiwa nembinga, saka vaibhadharana imwe nguva musikana achiti handina mari obva ati ndokupa bonde, muporofita wake akati bonde handiridi asi ndoda mari

Chibvumirano ichi chaiva chelatest charm yekuti abate umwe car dealer mhene,paakabata mhene akatadza kutumira chegumi zvikabva zvavhariswa ndiko saka love life yake yakuita pfukumbwe kudai

Madzimai Shashal vanotoda kubatsirwa nekuti masaramusi aMakomichi kana makonana anoparadza upenyu hwako,kana muchiti kunyepa torai phone yake (shashl) mobaya number dzaMakomichi 0777469342 muone kuti hadzimo here.Murandakadzi uyu dai atouya kusowe ndamubatsiridza” vanodaro madzibaba Maikoro

Umwewo anotengesa muviri anoti zvingangova chokwadi nekuti pane munhu akambomuudzawo kuti Shashl anotora miti kuMasvingo kwaMakomichi uyo anopa miti yeraki uye kubika vana sisi kuti vabate mbinga

Hatina kukwanisa kubata Shashl kuti tinzwewo divi rake uye Makomichi atadza kubatikawo nhare ichinetsa