Breaking:Ukangosungisa Levels Ndofumura Mishonga Yeraki Yandakakupa- Sangoma Opandukira Shashl
6 December 2022
Spread the love

Morgan Zvemangororo

Mashura munyika yechibarirwe apo kunonzi naMadzibaba Maikoro Shashal akanzi naMakomichi (muporofita weMasvingo aipa Moana,Zodzwa naShashal, Mwonzora miti yeraki )Levels akangosungwa chete ndofumura mishonga yandakakupa uye masecrets ezvikomba zvako zvese

Madzibaba Maikoro vanoti Levels akanyeperwa kuti akabata chibharo iri nzira yekurwadziwa kwevideo rebonde rainge rabuda, vhiki yakapera vakati torai phone yaShashal mobaya number dzaMakomichi dzinoti 0777469342 moona kuti hadzimo here muphone make

“Achatoita kuti asunungurise levels nekuti muporifita anomupa mapipi eraki akamuudza kuti haadi kuti mukomana asungwe

Iniwo ngirozi yakanditi Shashal ainyepera Levels iri nzira yekurwadziwa nevideo rakabuda.Musikana uyu dai auya kukirawa ndamurashisa muti weraki waakapuwa naMakomichi uye kumubatsiridza amwe madzudzo anomutevera” vanodaro madzibaba Maikoro

Vamwe vanotengesa miviri vanoti vacharatidzira kuti Shashal ngaasungwe nekuti kupomera munhu rape yenhema chinhu chakashata