Vanhu veMasvingo vazviita zvakare apo mufundisi Isaac Makomichi vanzi vari kutengesa ma anointed second hand tyre emota neUS$100 kuchinzi anenge aritenga achatenga mota muna 2023
Makomichi ndeuya wembiri yemasaramusi ekufambisa makomo,kupa maraki emari uye uye anopa palove potion kunaana Shashal,Mwonzora,Zodwa uye mushakabvu Moana
Muzvinamasaramusi uyu anonzi simba anaro chose uye vazhinji vanopupura kugona kwake, zvisinei rwendo runo kunonzi matayira aari kutengesa awa ingangova nzira yekutsvaka hake mari
“Kushanda anoshanda chose,mapipi anawo asi pakuzoti tenga tayira remota 100us kuti ugotenga mota,ini hangu handingabvumi nekuti size retyre racho ndoriziva sei kuti rinopindirana nemota yandichatenga, kunenge kungotsemurwa bag uku, asi simba iroro remasaramusi anaro but apa ini bodo” anodaro Tinei anoti akambobatsirwawo naMakomichi
Handisati ndanzwa nezvazvo asi munogona kuvabata moga muvabvunze pa 0777469342 , ini handina kunge ndazvinzwa; anosenda massage mutauriri waMakomichi
Vedzimwe dzisvondo vanoti ayo mapipi havana nguva yekutaura nezvazvo nekuti bhaibheri rinozviramba