Anondimanikidza Kutuka Amai Vangu Tichiita Bonde;Murume Omhan’arira Mukadzi Kwasabhuku
17 December 2022
Spread the love

Umwe murume weMwenezi anonzi akwidza nyaya yake kumatare asabhuku, mushure mekunge achipomera mukadzi wake mhosva yekumanikidza murume uyu kutuka zita ramai vake pavanenge vari pabonde

Charles uyo anoti anzwa nekudyiwa mari uye kuchengeteswa vana vashanu vegerofurendi mukuchaya mapoto kwavari kuita

“Parizvino ndivona sekuti ndakagadzirwa,moyo unotodawo kuchengeta vabereki nemukadzi wangu nevana asi ndikangowana mari ndotonzwa kutsva moyo kuti ndipe mai Chipo ivava nevabereki vavo mari yose

Takainda kumapositori nehama dzangu vakati ndakasungirirwa moyo nemupfuhwira,ndakatozoonawo imwe massage mufoni yemudiwa wangu yaibva panumber yaiti 0777469342 ichitoti kana angowana mari mubike uya wemusoro wedahwa, vanhu vakazoti number ndedza prophet Isaac Makomichi weMasvingo

Ndibatsireiwo kana pane anogona kurutsisa,ndazama zviri kuramba.Ipapa mukadzi iyeyi asipo ndotonzwa kuti ndikamuona ndotomuramba asi akafona kana kungomuona ndototanga kunzwa kutoda nezvake uye kumupa mari yese

Kwasabhuku ndiko kwandatotarisira help,anondimanikidza kutuka mai vangu patinenge tichiita bonde” anodaro murume atambiswa chitsvuku nepfambi

Makomichi anogonawo kuzomira pamberi pedare nekuda kwemassage yakaonekwa uye akanyorawo mashoko iwayo pa Facebook pake