Runyerekupe runoti umwe muporofita weMasvingo Isaac Makomichi anonzi ari kutengesa mabhutusi ekupfekedza zvombo zvaana baba nemabhora azvo, achiti 2023 kune chando chikurusa
Makomichi uyo anozikanwa nembiri yemalove potions uye akambomiswawo pamberi paShe achipomerwa mhosva yekupa umwe mukadzi mupfuhwira wakaita kuti murume asvike pakukanganwa mazita evabereki vake uye kungoswera achipota nemadziro, muzvinamapipi uyu yafambawo mbiri nemashura ake ekupa maraki uye kufambisa makomo kunyange hazvo vazhinji vachiti masaramusi
Vana baba vanonzi vakurudzirwa kutenga mabhutusi awa kuitira kuvhika zvombo zvavo kuchando chinonzi chiri kuuya
“Handizvizive zvamuri kutaura izvozvo,vabatei mega pa0777469342 vazvipindurire voga ivo prophet” anodaro mutauriri waMakomichi uyo atadza kutiudza kuti nyaya yemabhutusi enhengo yakamira sei