Papa Voti Mukadzi Anochengeta Murume Haarambidzwi Musikanzwa
28 January 2023
Spread the love

Veruzhinji vashamisika zvikurusa, zvichitevera mashoko amufundisi weMasvingo Isaac Makomichi uyo anonzi ati mukadzi anochengeta murume kana akahura haisi mhosva hombe

Kunonzi mashoko awa akataurirwa hama dzamai Denzel idzo dzainge dzainda kwaMakomichi dzichitsvaga kuti vaviri vadzokerane

Umwe weukama anoti muzvinamapipi uyu akati malove potion ake anokwanisa kuti baba namai Denzel vadzokerana uye baba Denzi vakanganwe zvese zvakaitwa nemudzimai wavo

Makomichi afamba mbiri pamusoro pekupa maraki kuvasikana vanoda mbinga, vezvematongerwo enyika uye vemabasa emaoko.Kunonzi papa vakati baba Denzel vavabate pa0777469342 kuti vavaonese kuti chihure chemukadzi inyaya dokosa isingaite kuti mukadzi munaku saamai Denzi varambiwe, ndipowo panonzi mufundisi vakazotiwo kune avo vanochengetwa nevakadzi ngavazive kuti mukadzi iyeye akaita chifambi haisi mhosva nekuti haangati kukuchengeta zvese nekutendeka kwauri

“Ini zvangu handibvumirani nekuti murume akashaya ndimuhurire kana ndiri ini ndiri kumuchengeta, hongu vaMakomichi vakandibatsira kugadzirisa imba yangu yainge yaparadzwa nepfambi asi awa mashoko kwandiri handimatambiri” vanodero mai Tino

Mutsika dzechivanhu kunonzi murume anobvumirwa kuita vakadzi vaanoda asi mukadzi akaita chipfambi anofanirwa kurambiwa