Papa Voti Mukadzi Akavata Nebenzi Haazonetsekizve NeMujolo
2 February 2023
Spread the love

Makunun’unu mavhundusa moyo emashoko, ayo ataurwa neumwe muzvimamapipi mufundisi Isaac Makomichi weMasvingo, uyo anozikanwa nekupa Moana malove potion uye anonzi akabatsira mai Denziel kuti vadzokerane nemurume wavo

Muzvinamapipi uyu anonzi ati mukadzi akaita bonde nemurwere wepfungwa anobva aita raki pamujolo,kunonzi akati chero murume muchinetsana,mukadzi akangobuda akanovata nebenzi paanodzoka zvese anowana zvatonaka uye vaviri votogarisana murugare

“Vakataura neni pandakati ndoda kubatsirwa,ndobva vati kana une mari ndokupa love potion asi kana usina unonorara nebenzi zvese zviri kuitika zvinobva zvatopera uye kutochata nemurume wangu

Ini ndaingoona shamwari dzangu dzichiita mari uye kugara zvakanaka mudzimba,vakamboramba kundiudza asi umwe ndiye akazonditi toinda kwaMakomichi kuMasvingo,ndipo pandakataura navo vakandiudza zvebenzi ndokubva ndaramba,nditori nehumbowo hwacho hwemassage yavakaisa nenumber yavo 0777469342,ipapo ndipo pandakaona kuti havasi muporofita asi in’anga” vanodaro mai vaitsvaga mupfuhwira ndokunzi vatai nebenzi

Madzibaba Akabye vanoti mapenzi ane raki raainaro asi havazozive pamupfuhwira uye vanotiwo hazvina kunaka kuvata nemurwere wepfungwa