Muporofita wemapipi uye anozikanwa irinyanzvi yemalove potion papa Isaac Makomichi veMasvingo vanonzi vakati varume vose marovha mahure
Muzvinamapipi uyu anonzi akakurudzira vanhukadzi kuti vasaroorwe nemarovha nekuda kwekuti vanowanza chipfambi,muporofita uyu anopomerazve varume vese marovha mhosva yekukecha mahure
Izvi zvinonzi zvakataurika mushure mekunge umwe mudzimai ane mari zhinji muHarare ashanyira vaMakomichi kusvondo kwavo,apo kunonzi mukadzi uyo anoti ndiye anochengeta murume asi murume arikutora mari yemukadzi achinodya nemahure,mukadzi uyu anonzi akazobva Masvingo apakatiswa gona guru rekugadzira nekutonga murume
Makomichi uyu wafambawo mbiri chose nekukupura kweruzhinji rwevanhu vachiti akaita vapfume,mishonga yemakasi uye kugadzirisa nyaya dzerudo dzaivanetsa
“Vakabatsira hazvanzi yangu yainge yakwegura isina murume asi ikozvino atova nemhuri,chese chavataura ndinotevedzera,pachokwadiwo varume marovha vane ruchiva rwakanyanya” anodaro Mathew uyo anobva Gwanda svondo yega yega achizonamata kwaMakomichi