Muporofita wemapipi,mipfuhwira nemaraki emari Isaac Makomichi, uyo akange ati achaparadza database reAljazeera kuti risaburitse nyaya yehuwori hwegoridhe , mukuru uyu anonzi vamiririri vake vati akati ngirozi yapapa yaiva paOff saka haina kuzogona kumisa ALjazeera kuti isaburitse part 2 yeGold Mafia,uyezve hanzi inodzoka chete kana hurumende yabisawo chidimbu chikuru chemuripo waakataura
Makomichi akapa number dzake 0777469342 kuhurumende achiti vakabatwa muhuwori vamubate agovagadzirira kuti database rinyangarike.Runyerekupe runoti umwe mushandi wepa Airport mu Gold Mafia nevamwe vake vanonzi vakainda kwaMakomichi kunotsvaga rubatsiro
“Mashefu edu ainge angogara achiindako hawo (kwaMakomichi)
asi mushure menyaya iyi (Gold Mafia) team zhinji rakaindako zvinova zvinoratidza kuti dhiri iri ritori nevanhu vakawandisa” anodarawo umwe mushandi wepaAirport ataura ne zimeye.com muHarare
Makomichi hatina kukwanisa kumubata sezvo mutauriri wake ati mukuru uyu achakabatikana nemabasa.