Muporofita Onyomba Varume Vasina Mota
18 June 2023
Spread the love

Chisionekwi mashoko anodambura shaya zvese nenzeve,kushamisika kukuru apo umwe muporofita weMasvingo Isaac Makomichi anonzi ati mukomana asina mota haafaniri kurambidza musikana kuhura

Mukuru uyu anonzi akaita ladies all night prayer iyo inonzi kwaiva kwakazara macelebrity nemaslayqueens ari kupisa kumadhorabha.Makomichi afamba mbiri yema love portion anonzi anoshanda zvakanyanyisa uye kugona kugadzirira vanhu kuti vapfume

Vamwewo vanoti hurombo haungatadzisi munhu kupinda murudo,zvinova zvakarambiwa naPapa avo vakati vasikana musapedza nguva uchitendeka kumukomana rombe,uyezve kunonzi vakati musabvume kudanana kana kuroorwa nemukomana asina mota nekuti ishuviro dzaMwari kuti munhukadzi agare soft life,muzvinabipi uyu hanzi akati ane mubvunzo kana chipikiso ngaamubate panumber dzake +263777469342, kunonzi papa ava vakati vazegwe nemaverse anotsigira kuti mukomana murombo haakadzeri kuwana musikana akavimbika

“Munhu waMwari vakabatsira hazvanzi yangu yainge yakura ikatochata asi awa mashoko ekuti isu vakomana marombe tisadiwe haana kunaka.Mukadzi ndiye anotofanirwa kuchengeta baba kana zvinhu zvakasunga” anodaro Tinei uyo anoti aimbotevera Makomichi asi haachadi nekuti anoti Papa vanonyanya kutsigira madzimai