Chishamiso muZimbabwe, apo muzvinamapipi weMasvingo Papa Isaac Makomichi vapa chiporofita, vachiti pane celeb rakadyirwa mukadzi nemashefu kusvika azvara chimwana asi celeb iri harisi kuzviziva
Izvi zvapa mibvunzo mizhinji uye fungidziro nerunyerekupe rwakawanda-wanda kuti rufambe
Chakonzera kuti zvinyanye kunetsa ndechekuti Makomichi anozikanwa nembiri yekuporofita maresults ebhora uye number dzezvitupa,kunyangwe hake achipomerwa kuti anoshandisa musoro wegora kuporofita nemo-nemo
Chikonzero chepiri ndechekuti Makomichi anozikanwa kuva nyanzvi yekupa malove portion ayo anonzi anoita rudo rutapire,kunonzizve ndiko kunobikwa mahure uye mababe mazhinji ane mbiri anotora macharm kunaMakomichi, izvi zvapa kuti vanhu vati muporofita uyu ane mukana mukuru wekunge akatoudzwa nemukadzi wacho kuti ndakadyiwa nemashefu ndikazopomera mimba kune rimwe celeb rikakabira nhumbu
Umwewo mushamarari aramba kutaurwa nezita anoti akambosanganawo neshoko iroro rekuti celeb rakadyirwa mukadzi nemashefu saka riri kutorera mwana asiri waro,mushamararikadzi uyu akurudzira vese vane mbiri vainde nevana kuDNA nekuti zvazara mumastreets kuti celeb rikuchengeteswa mwana asiri waro
Muporofita Makomichi hanzi ati maceleb ose ane vana vaduku vamubate panumber dzake +263777469342 agomuudza chokwadi chizere, muzvinamapipi uyu akurudzirazve kuindiswa kwevana kumaDNA. Chekupedzisira Makomichi ati muceleb uyu mukadzi wake akadyiwa nemashefu ake uye neshamwari yake yepedo
“Nyaya iyi inonetsa asi shoko rekuti muceleb akadyirwa babe rikaita nhumbu takarinzwawo but prophet Makomichi vagona kana vaoneswa nemweya kuti vafumure chiitiko ichi.Apa celeb racho rinotoda mudony wacho zvekutodero, paanobuda wifaz yotoita video call kumuridzi wemwana achiona chimwana, zvinorwadza” anodaro umwe DJ wemuHarare