Vakadzi vekuMasvingo vakawanda vanonzi kana vari kuchina chemadzimai vari kuchema nenyaya dzekusiirwa panzira kana kuti kusagutswa pabonde nevarume vavo, izvi ndizvo zvaizopa vamwewo vaite gumbo mumba-gumbo panze. Chiitiko ichi chinonzi chava kuita nani mushure mekunge imwe shasha yemashura papa Isaac Makomichi weMasvingo vakashambadza masvondo maviri apfuura kuti vakagadzira wavanoti “mukaurisa mvana”
Mukaurisa mvana uyu unonzi muti wekuti murume akaushandisa anokwanisa kuinda pabonde kashanu kana kasere pahusiku humwechete
Pavanhu vanonzi vakaupuwa masvondo maviri apfuura vanoti mutambo uri kufadza chose muimba yemukati,vamwewo vachiti zvinonyadzisa kunotora pazere vanhu saka ndizvo zviri kupa kuti vazhinji vatsvage Makomichi nguva dzeusiku
“Ini ndakatoinda nemudzimai wangu ndikanobatsirwa, ndainge ndakasungwa kwemakore matatu ndichiti kana ndava pamutambo handisvitse minute chairo bambo vanenge vatoneta.Girlfriend ndiye ainge akandisunga pandakamuti handichadi zvechihure.Ndakabatsirwa naMakomichi ikozvino kubva zvandadya porridge racho ndiri kuita kashanu kana kutodarika pazuva, hongu mushonga wechibhoyi asi ndinotenda prophet nezvavakandiitira” anodaro Maxwell
Umwewo anonzi Samuel anoti akapiwa zviri kumuitira asi dambudziko rava pakuti haana mukadzi saka arikuzoguma okecha mahure nekuda kwezvaanenge achinzwa
Papa Isaac Makomichi vanozikanwa nekugona kugadzira zverudo nema love potion,kunonzi maslayqueen ose anoposa ndiko kwaanobikwa ,uye kupa maraki ehupfumi nemashura ekufamba pamusoro pemvura kunyangwe hazvo svondo rakapfuura vakapona nepaburi retsono apo vanonzi vakafamba 6 seconds pamusoro pemvura vakabvapo votiza varumwa negarwe,kunonzi mushure memazuva ane chitsama vakazobuda havo muchipatara.Vamwewo vedzisvondo vakati mapipi haashandi kumakarwe
Muzvinamapipi uyu anonzi ati Tytan murume waOlinda avabate auye kuzotora muti uyu “mukaurisa mvana” nekuti kutaurisa kuri kuita Olinda hanzi napapa kusagutswa mumba,vaMakomichi atizve Tytan avabate panumber dzavo +263777469342 kuti aronge kuti angapiwa sei mukaurisa mvana
“Tinotenda chirongwa chaprophet Makomichi nekuti kusiirwa munzira kunoita uzofunga vamwe vaikugutsa usati waroorwa saka zvakakosha kugutsana.Wangu murume ndatomuudza akati anoinda nekuti imwe situation inokumanikidza kuita musikanzwa sesu vakawanikwa tisiri mhandara” anodaro umwe mukadzi aramba kutaurwa zita rake