Muporofita wemapipi,mashura nezviratidzo Papa Isaac Makomichi anova half sangoma , half prophet anonzi audza vanhu vari kushaya mabasa kuti vavambewo machurch avo kuti vawanewo cheuviri
Muzvinamapipi uyu akafamba mbiri uye kubuda mumapepa mwedzi wakapera apo paakafamba pamusoro pemvura kuKariba kwe 6 seconds idzo dzakazopera nemisodzi mushure mekunge arumwa negarwe , zvinova zvakaita vanhu vamutsoropodze kuti ko sei ane simba rekufamba pamusoro pemvura asi asina simba rekuti asarumwa nemakarwe.Vazhinji vaivepo vakarumbidza vachiti chishamiso ichi chakaratidza simba raMwari, ukuwo vezvimwewo zvitendero vanoti Makomichi ndigodobori anoshandisa mazango ekumaroro
Mashoko ekuti marovha avhure machurch vamataura pamusangano wekereke wavakaita muguta reKadoma apo vanonzi vakati vanotengesa simba rekuti munhu aite muporofita kana n’anga yemapipi
Kunonzi musangano uyu wainge wakaungana vedzisvondo, mapositori, zvigure nen’anga pasi pedingindira rinoti “Hupenyu Matare” iro rinonzi rinokurudzira vanhu veZimbabwe kuti vararame vachiziva matare emumisha dzavanobva
Musangano uyu unonzi waiva wakatsigirwa nenyanzvi dzemaporofita uye n’anga dzemandorokwati dzimwe dzaibva Chipinge,Binga, Zaka, Gandavaroyi Gokwe uye vamwe vaibvawo kumaKorekore
Papa Isaac Makomichi vanonzi ndivo vakaitwa munyori wesangano iri , vachitevedzerwawo nasekuru Churuchemago imwewo harahwa yekuMakore-kore inonzi inoita zvinogara zvakadero pahurapi , kuchizotiwo chimwe chigure cheGuruve chinonzi ndicho chakaitwa mutauriri wedare iri
Pagungano iri ndipo panonzi Makomichi akati vamwe venyu muri vana chiremba asi hamuzvizivi nekuti hamuzivi mhepo dziri pamuri
“Matare emitunhu yamunobuda makuru, kana ukasava nezivo nazvo unofa uchitambura nekuti chiri pawuri chinoda kugadzirwa kuti chishande basa racho
Huyayi ndikugadzirirei mhepo dzenyu dzibude, mutangewo matare enyu uye muvhurewo church dzenyu , kana magonera mhepo dziri pamuri munoropafadzwa nehupfumi.Ukatsvaga basa iwe mhepo iri pauri isingadi izvozvo hauriwani, vanoda kugadzirirwa varipano torai number dzangu 0777469342 mozondibata ndokubikai kuti mhepo dziri panuri dziite basa” anodaro Makomichi achiudza chaunga chaisvika mazana anodarika matanhatu
Muporofita uyu (Isaac Makomichi) anonzi ane gona rekukudza nhengo dzevarume, gona remaraki ehupfumi uye love potion yake iyo yapupurwa nezvuru zvevanhu vachiti vakabatsirika chose mushure mekushandisa mishonga yaMakomichi
Murume uyo in’anga , simba anaro asi haribvi kunaMwari ; anodaro madzibaba Regina