Muporofita Isaac Makomichi Oti Zanu PF Yasimba Kudarika Zvayaiva 1980, Uye Ichatonga Nekusingaperi
10 February 2024
Spread the love

Muporofita weMasvingo Isaac Makomichi (29) anoti hurumende yeZanu PF ichatonga kusvika mapere okamwa mukaka wekuisa muputugadzike

Kune chinyorwa chinova affidavit iri kutenderera pasocial media apo mufundisi Isaac Makomichi achiti apa 30usd kumusangano weZanu PF kuri kukurudzira vanhu varombo, vari pakati nepakati kana vapfumi kuti vasunguke kupa mari kuZanu PF Masvingo district kuti ivake mahofisi muguta reMasvingo

Mumashoko ake Makomichi anoti chipo ichi apa akamiririra ward 5 Masvingo urban sezvo ward yoga yoga yainzi ibvise 30usd kuti pavakwe Zanu PF District offices.

Kunonzi kune ruzhinji rwevanhu vanoti tichaita chipi kana chipi zvacho kuti bato ririkutonga rirambe riripo

Umwewo anoita nezvematongerwo enyika anoti chiito chaitwa naMakomichi chinopedza vanhu veopposition simba nekuda kwekuti zvaratidza kuti Zanu PF ichiri nevatsigiri vanomira nayo mukurema kana mukurwadza

Wongororo inoti bato reZanu PF rine kudyidzana kukurusa nevatsigiri varo chero zvikaminama nenzira ipi

Muaffidavit iri Makomichi anokurudzirawo amwe mafundisi uye vamwe vatendi kuti vatsigire kuvaka Zanu PF uye anoti musangano uyu wagwinya chose kutodarika zvawaiva mugore rawana Zimbabwe kuzvitonga kuzere

Vamwewo vatsigiri veopposition vatsoropodza kuita kwapastor Isaac Makomichi kunyangwe hazvo vasina kupa zvikonzero zvavashorera kupa kune mufaro uku

“Murume uyu murombo, haazi mupfumi asi chiito chaaratidza chakakura uye zvaratidza kuti president Munangagwa vari kudiwa nevanhu zvakanyanyisa

Zvokwadi musangano uyu uri kutoita mukurumbira mukurusa kudarika kare, iyeyi Makomichi dai vadzimu naMwari varopafadza paatapudza uye dai ruzhinji rweZimbabwe rwadzidza pachiitiko ichi” anodaro umwe mutsigiri weZanu PF

Vamwewo vagari veMasvingo vanoti province yose iri kuratidza kuti yava nemuwono umwe chete unonzi Zanu PF