Zimhandara Rangu Dzimbabwe Musiwa 31 July.
11 July 2020
Spread the love
Zimbabwe-White-Farmers…

By Mari Matutu | Zimhandara rangu Dzimbabwe,
Ndiwe woga pasi rose unechuma,
Une Chuma chikatungwa neumhizha.
Vanoiyeva, ndarama, sirevhera, nengoda,
Izvo zvakatungwa murundaza rwedyke.

Iyeweka Dzimbabwe unevhu dzvuku,
Ndati dzvuku rinobuda man’a namagada,
Charimwapo hachiyedzerwi.
Vanoriyeva varimhiri kwaZambezi,
Varimhiri KwaLimpopo.
Vakati vagoni zvavo.

Dzimbabwe mhandarasikana waka dengezera,
Wakadengezira dziva rekariba.
Iro dziva rizere hove, vanogona havo,
Ndati vanogona kuteya magetsi henyenye.

Upfumi ufararira,
Vauyi vanoda chose kuona mapopoma,
Vanoda kuona muzinda, iwo dzimbahwe,
Vonoda kuona makomo anoera,
Vachiyeva mhuka dzenyika.

Wakati zvino mhandara yangu wabatwa,
Wabatwa Chibharo nemabhinya.
Haana tsitsi newe.
Vana vako Dzimbabwe
vononga svosve nemuromo.

Nyika yabatwa, yabatwa chibharo,
Manzwi edu oshoshoma,
Takatsikwa pahuro nebvi.
Hupfumi hwako Dzimbabwe
hwaperera nyikadzavamwe.

Vanobvambura nezvityu zvayo dzimbabwe,
Vachigovana zviropa nevanobva mabvazuva.
Vemabvazuva kutsunzunyira nyama neineganda.
Dai uri murombo dzimbabwe ungadai wakawa kare.

Vana vako tapararira pasi rose.
Unosara asina mudzimbabwe murombo.
Wako musha uchingo sara uri dongo.

Tati tikugezese svina zimhandara
Tibvise madzimbwa neman’a .
Sumuka iwe mwana weDzimbabwe.
Simuka ubvunze mibvunzo

Chii kuti tiite varombo kudai,
Tiite varombo nyika inezvicherwa,
Chii tiite varombo nyika inevhu,
Vhu dzvuku rinamagada.
Chii tiite varombo nzizi dzichierera,
Kuerera kundorashira makomborero kwavamwe.

Ndino bvundza kuti chiiko ,
Chiiko Dzimbabwe iwe unamakomo,
Une mapopoma, mhuka nedzinoera,
Chii chino dyisa zvino vava nzimbe tichirima,
Chingwa honge goridhe kuchidyira parufu.

Simba, sunga musana, mafupa ngagwinye,
Nguva ndiyoyi. Musatya, musavhunduka,
Tokupokonyora zvino iwe dzimbabwe.
Murowoko rwamabhinya.
Vane meno rumai muro wezasi.
Ndozvazvinoita pakupona.

Mufaro wako wava pedyo.
Mazuva emimba okwana.
Hauchazobereki gava mwedzi zvee,
Kana kusvodza.
Joko rouranda rava pedyo kururwa.

Mhururu nemuridzooo
31 July izuva rako