WATCH: Cruel Looting In Kariba | SHONA REPORT
29 April 2021
Spread the love

By Clever Jemwa | Tagara makore akawanda mudzimba idzi tichiendesa Mari kukanzuru simba redu dikita redu rose rakaperera pedzimba idzi asi bvisirwo yacho inorwadza zvataifunga sevanhu tisina zvatakaudzwa pamagariro atinofanira kuita mudzimba idzi takangofunga kuti vachaita sezvinoita mamwe maguta dzimba dzekanzuru dzinemakore aunofanira kugara ichinzi ndeyekanzuru yozova yako uye mamwe madoroba makanzuru ndivo vanovakira vagari dzimba kwete kuita zvekutorera vamwe uchipa mumwe kana vanhu vawanda kudarika dzimba ngavavake dzimwe.

Uku haisi kanzuru yakavaka zvakavakwa ne matariyana akavaka bridge dzakavakwa dzichinzi ndedze temporary kana bridge rapera dzaiputswa ndedzekare 1957 hakuna budiriro irikuitika; varikuti shungurudza vanga vasati vaberekwa.

Kanzuru ngainetsane nesu panyaya yemari chokwadi tinofanira kubhadara inga nyaya yedzimba iri ku Lawyer ravo Mai Piri ma paper avakatikandira painge pasina kunzi ndokutorerai imba pakanzi bhadarai dzimba mukarega tokutorerei matanho kana kutengesa midziyo ikozvino tiri kumanikidzwa ku sign ma less egore imba yokugara kunge tackshop kutedzera Z R A ne Z E S A makambani nokuoma kwakaita zvinhu vanedzimba dzisina vanhu vavo vebasa Saka vakaisa vanhu kuti imba idzodzo dzichengeteke kana zvinhu zvanaka vakanyora vanhu basa usazonetse kubvisa zvinon Local government ndiyo ine basa rokugadzirisa panogarwa nevanhu ikozvino vakuita zvekuvenganisa vanhu panemumwe arikurwadziwa zvikuru arikutotsvaga nganga zvanzi ndobata mushonga chete akaenda ku court ikamudya arikuti shamwari yangu chaiyo ndiyo ingadaro handifunge kuti kunekumwe kurikutorerwa vanhu dzimba sekuno.

Ndiwo ma Toilet atakavakirwa ne Dona tikashanda kwemwedzi yakawanda pasina kubadarwa.