Rashai Face Powder Nekuti Inokwezva Zvidhara ZveMubobobo, Odaro Muporofita
16 June 2022
Spread the love

Mufundisi wemuMasvingo uyo anozikanwa nembiri yema magic ring emasaramusi ehupfumi uye kupa mupfuhwira kuma slayqueen anoti vanhukadzi varege kuita make up uye ngavatorasha zvachose face powder nekuti inokwezva guyz dzemubobobobo

Muparidzi Isaac Makomichi akaudza vanhu muguta reMasvingo kuti zvidhara zvese zvinouya kwaari zvichisarenda muti wemubobobo zvinoti mushonga uyu haudi macondom uye unonyanyoda mamai anoita make up. Muzvinamapipi uyu anoindirira mberi achiti vakadzi vese nevasikana ngavarashe zvimagaba zvema make up kit kudzivirira gondwa waturuka

Svondo rapfuura kunonzi kukereke kwaMakomichi kwakauya imwe shasha yemubobobo ichizousarenda,kunonzi vanasikana vayo vasere vese vakati hapana akaroorwa uye vanogarorota vachisangana nababa vavo pabonde,shasha iyi inonzi ndiyo yakati gondwa waturuka uyu anoda vakadzi vanoisa make up nekuti musana wemubobobo unosimbiswa nekamweya kanobva pa make up

“Zvinoshamisa izvi nekuti madhara emubobobo kana oisa vanoita make up patarget kureva kuti mamai mazhinji achabobewa,ini ndava kutorambidza mukadzi wangu kuizora sezvataurwa nemuporofita” anodaro mukoma Timothy anova muteveri waMakomichi

Sisi Fadzie vanotiwo vangatobobewa havo pane kurega kuisa make up nekuti inobatsira kuvhara rukanda rwavo rwakakwasharara