Papa Introduces Mjolo For ED, Says Zim Is Open For Love
8 November 2022
Spread the love

Morgan Zvemangororo

Muzvinamapipi weMasvingo mufundisi Makomichi uyo anozikanwa nekugara akaunganirwa achipa vanhu maraki erudo,mari nemakasi, kunonzi aita chiomesa gotsi kuburikidza nekuita inonzi “Mjolo For ED” izvi zvichitevera kubva kwaakaita kuGhana svondo dzapfuura.

Kunonzi chiitiko ichi chashamisa vazhinji, mwedzi dzakapera kwakaita Men For ED, Women For ED, Vapositori For ED, Mahwindi For ED, ikozvino yava Mjolo For ED.

Makomichi anonzi akati vanoda Mjolo For ED vanomubata pa +263777469342 . Veruzhinji vanoti vanhu vatenderera pfungwa nenhamo ndizvo zvapa vangoti chamuka inyama

“Ndakarairwawo pano pavanoitira kuchinzi vanogonesesa zvema luck emari uye rekudiwa nembinnga, zvino ndatadza kuvaona nekuti pakawanda vanhu asi tangopiwa number zvikanzi kune inonzi Mjolo ForED yaveko

Hanzi zvinoreva kuti Endless Desire Love potion, zvanhasi ndashaya mukana asi ndinodzokazve nekuti ndiko kuri kungouya vese vari kunetsa mumaclub” anodaro Paida uyo anotengesa muviri wake

Madzibaba Bynage vanoti Mjolo For ED yaMakomichi iyi haibvi kunaMwari asi anonoitora kun’anga dzekuGhana kwaanogara achiinda pega pega paanouya nerimwe gwenzi

Umwewo musikana anoti varume vanyanya kuwomera ndiko saka akakwira ndege kubva mhiri kuuya kuzotora makwenzi erudo awa.