Papa Voti Vanoda 7 Days naMai Muvhevhi Mugomo Vachinamata
24 January 2023
Spread the love

ARTICLE IN SHONA:

Runyerekupe runoti umwe muzvinamapipi, anozikanwa nekupa love potion kuna Moana nekune mamwe maslayqueen anonzi mufundisi Isaac Makomichi, anonzi ati anoda kuita 7 days and nights namai Muvhevhi vachinamata mugomo vari vaviri kuti vanhu vakaurawa naMuvhevhi vasamuka ngozi uye mweya yavo izorore murugare

Vamwewo vanoti neimwe nguva papa vanenge vavakutoda kuzvisetera pena yakagohwa kare

Makomichi weMasvingo uyo wekumboita masaramusi ekufambisa makomo uye anonzi anobika pfambi nevanhu vemakasi kuti vawane chehuviri

Kunonzi mufundisi uyu ati mai Muvhevhi vanofanirwa kumubata panhare yake inoti +263777469342, anotizve zvizhinji vaviri vanozokurukura vari mugomo

“Makomichi zvema love charm nemakasi anogona hake asi apa ndoona sekunge avakuda kuzvisetera pena

Hazvanzi dzangu dzakabatsirwako zvikatofaya asi apa haichisiri nyaya yekunamata,kuda ava kutodawo zvimwe,ndokunge dziri shuwa kuti ati anoda kuinda navo kugomo vari vaviri” anodarowo umwe murume wemuGweru