N’anga neZvigure Vanoti Vachaisa Zvidhoma semaElections Observer
23 May 2023
Spread the love

N’anga,nezvigure vanoti vachaisa zvidhoma zviviri zviviri pamapolling stations ose,izvo zvichange zvichiverenga vanhu vavhota uye kutorawo maV11

Muchiitiko ichi n’anga dzaitawo musangano yadzo mumaprovince akasiyana siyana apo kunonzi vachaita konde konde kuunganidza zvidhoma zvinosvika zvuru makumi maviri (20 000) , zvikomana zvipfupi izvi kunonzi hazvina divi razvinotsigira asi zvichangotora maV11 sezvaari

Dzimwewo n’anga dzati chirongwa ichi hadzichitsigiri nekuda kwekuti vamwe vaiswa mukutungamira boka iri varoyi.Vamwewo maporofita vati chaisawo ngirozi kuti dzitarisewo mafambisirwo esarudzo,kunonzi anenge ada kuita musvetu nemavotes evanhu acharohwa neshort boys zvakawomarara nekuinda miromo padivi

N’anga idzi dzinonzi dzatiwo dziri kukwereta zvidhoma kune vanoda havo kuhayisa kana sarudzo dzasvika,kunonzi kuhayisa zvidhoma zviviri muridzi wazvo achapiwawo mushonga unorapa chirwere chaanonzwa uye 100USD

Asarudzwa kuva mutauriri wechikwata chemaporofita nen’anga idzi papa Isaac Makomichi kunonzi vavimbisa kuti sarudzo dzichafamba zvakanaka chose uye vane mibvunzo kana vanoda kuhayisa zvidhoma vabate papa Makomichi panumber dzavo dzinoti +263777469342.Kunonzi papa (Makomichi) mutauriri chete asi vekwa Ndunge nevekwaTimani Moto kuNyanga ndivo vachange vachichengeta tokuroshi idzi

Timani Moto anozikamwa nekugona chose kugadzira zvipukanana zvekupfumisa uyewo papa Makomichi vanozikamwawo nembiri yekupfumisa vanhu uye miti yemakasi nemalove charm ayo anonzi murume anenge otoudzirwa zvokuita nomudzimai

Vamwewo vedzisvondo nedzimwe n’anga vanoti chirongwa chaMakomichi ichi neshamwari dzake maporofita naTimani Moto nen’anga dzake chinokwanisa kubatsirawo kuti sarudzo dzisabirwa

“Vanhu ava vane mazita mukuru uye vanobata mabasa makuru saka tine vimbo kuti achada kubira sarudzo achazvamburwa sezvataurwa” anodarowo umwe murume anoti anovhotera Glen View mumusha weHarare