Papa Voti Varume Vese Vakadhanganyiswa Musoro NeNudhu RaMai Titi
2 June 2023
Spread the love

Umwewo mudzimai anoita zvesocial media anonzi Mai Titi akakandwawo zai rakawora kumeso mushure mekunge pabudiswa mifananidzo yemunhu asina kusimira iyo inonzi ndeyake

Veruzhinji vaitiwo mabasa evavengi uye ivowo Mai Titi vakazoita video vachitaura kuti munhu wavaimbodanana naye akavaitira hutsinye achida kuvasvibisa,huyezve vanoti vadzidza chidzidzo chikuru kuti vanhu musaite mavideo call muri musvo

Kudemba kwemukadzi uyu kwakapawo kuti akumburwe nevazhinji, kusanganisira imwewo shasha yemapipi yafamba mbiri yekupa vakadzi malove potions , kupfumisa vanhu uye mishonga yemaraki pastor Isaac Makomichi weMasvingo uyo wakataurawo achitsoropodza munhu akabudisa nudhu raMai Titi,muzvinamapipi uyu anoti varume vakanakidzwa chose nenudzwa iri uye vanhu vakawanda varikutsvaga number dzamai Titi kuti vazvionere pamhuno sefodya yebute

Makomichi akaisa massage iyo mugroup achitsigirawo Mai Titi

“[01/06, 17:31] +263 77 746 9342: I’m not happy nezviri kuitwa mai Titi nevanhu, why kunyadzisana nekusvibisana?Manje varume maZimbo vakaona nude ramai Titi vavakutotsvaga number dzavo bcoz vakanakirwa.Muchakava datya izvo matori yambutsa.Ngatisiyanei netsika iyoyo yekusvibisana
[01/06, 22:05] +263 77 531 1804: Apa wataurawo dama chairo👏🏾”]

Umwewo wemugroup akatsigira mashoko awa

Mai Titi chavakaita chibharanzi chekufonera munhu vakashama,Makomichi ngaasiyane nekunyaradza munhu anoita zvinosvodesa kudero,naiyewo Makomichi inhubu nekuti tanzwa nekupusiswa mudzimba umu nemipfuhwira yake uye mushonga yaanopa munhu kuti adzokere kuita mhandara iyo iri mvana huroyi,ndakaona vakawanda varume varikutongwa nevakadzi nekuda kwake munhu iyeyu,vese naMai Titi mabharanzi evanhu; anodarowo mukoma Tinei uyo anoti akatsamwira kuti mukoma vake vakasotewa naMakomichi kuti chese chataurwa nemukadzi vabvume