Papa Voti Itai Konde-Konde Mundipe USD$100K Ndigodzosa Mari Yakatiza naZhao Team reE-Creator Ringangoridzwazve
8 July 2023
Spread the love

Vanhu varikurwadziwa zvikurusa mushure mekunge umwe munhu ayiva neponzi scheme atiza nemari dzevanhu dzinodarika miriyoni remayuwesi

Zhao Jiaotong weE-Creator uyo akaita chishoka ndibereke nemita revanhu akashungurudza vanhu kusvika vamwe vakajutiwa vanosvika makumi matatu (30) vatsvake n’anga yekumufikisa muChina uyu

Kunonzi vanhu 30 vaiva vakatungamirirwa naLydia naBernard vakainda kuMasvingo kwaMakomichi uyo anozikanwa nemapipi,kupfumisa vanhu uye malove portion, kunonzi muzvinamapipi uyu akasvikoti anoda 100 000usd kuti aite mapipi ekudzosa Zhao nemari yevanhu

Kunonzizve kwakanzi Zhao anogona kudzoswa nemapipi asi vane ziso one havabvumirwi kumuona kunyangwe vaivawo muE-Creator

Umwewo anoti anonzi Lucy anoti akanzi naMakomichi mari yako yakatiza naZhao inodzoka asi anenge achisungirwa kutoishandisa yose zuva rimwe chete ichitopera, izvo zvakaita kuti ashaye remuromo

Papa ava hanzizve vakati anoda havo kuita mudeme-mudeme vavabate panumber dzavo +263777469342 , kunonzi vakati vane ziso rimwe vasapedza havo nguva yavo nekuitawo kanzatu-kanzatu kekuwunganidza mari inodiwa iyi

Chekupedzisira papa vanonzi vakati wese achawana mari iyi anofanirwa kuishandisa ichitopera zuva rimwe chete

“Hongu takainda kwaMakomichi nevamwe vangu tikagashirwa zvakanakisa, asi kwakanzi panoda 100 000 kuti Zhao adzoswe, uye ini ndaida kuitrwa ndiri ndoga, mari yacho yemushonga wemapipi ndaitova nayo asi chakazonetsa vakati 45 000 yose ndinofanirwa kuishandisa ichitopera zuva rese.Ini ndinoda kutenga imba saka zvakawoma kuti uitsvage ,ugoiwana nekutoibhadhara pazuva rimwechete, ndakaona sekuti vanozvigona havo asi masaramusi saka ini handingazvikwanisi” anodaro Lucy uyo anoti Zhao akaba pfuma yose yeramangwana rose

Vedzisvondo vanotiwo mapurisa ngaiite basa rawo atsvage Zhao uye vanhu ngavarege kuitirwa mapipi naMakomichi nekuti hauzozive kuti hazvizopanduki here ramangwana