Ricky Fire Dumps Chamisa
19 August 2023
Spread the love

By-Musician Ricky fire music responds over social media outcry against his public meeting with ZANU PF’s Director, saying in Shona:

Chokwadi chisingaputse hukana

Ko iwe unonditukira kuti ndaenda kunodya lunch nevanhu vausingafarire saka ini ndovenga munhu nekuti iwewe wakamuvenga ? Saka kuita zvandinoda itori mhosva here ? Ko iwewe ndikaita zvaunoda iwewe zvangu zvandinoda ndichaita rinhi ?

Kana wafunga kundiudzira zvekuita tanga wauya kuzonditengera food obhadhara ma bill ochengeta mhuri yangu . Kana usingakwanise kuita izvozvo siyana neni uite zvako kumba kwako . Hapana akambouya kumba kwangu akaona kuti ndadyei , ndukurarama sei, ndabhadhara here ma bills kana kuti vana vangu vadyei .

Arikutoshandiswa na Satan ndiwe urikuvenga kana kutuka ini ndisina chandakutadzira . Kana Mwari chaiye akapa munhu wese freedom of choice saka ita zvaunoda ini ndiite zvandinoda . I’m a family man and my family comes first saka handimbofa ndakaisa iwewe before my family izvozvo hazvife zvakaitika .

Kana usingade kundi supporter rega hauna kumanikidzwa plus handidye ma likes ne sando dzepa social media reality irimumba mangu kana mhuri yangu yatarisa