Wese Arikurova Vanhu Pasarudzo Idzi Acharasika Pfungwa;Muporofita Wemapipi Otaura
21 August 2023
Spread the love

Nyika yeZimbabwe yakatarisana nesarudzo musi wa23 August 2023,ukuwo mhirizhonga dzematongerwo enyika dziri kuitika kwese kwese zvisinei kuti vatungamiri vemapato varikuti vanhu vasarovana

Muporofita wemapipi Papa Isaac Makomichi vekuMasvingo vaya vekubuda munhau masvondo akapfuura nekuda kwebipi rekufamba pamusoro pemvura kuKariba vati wese akarova kana acharova munhu nekuda kwepolitics arikuzorashika njere.Vamwewo vagari veMasvingo vakabuda painternet varoverwa hama yavo yakarohwa ichiisa maposter, vanoti vakazoinda kwaMakomichi, vachibva kudare kwapapa ava kunonzi vaya vakaita mhirizhonga vakatanga kutorashika njere , kunonzi kana kuvhota vose vari 6 havachatovhoti nekuti atova mapenzi anononga zvemumabhini

Makomichi anozikanwa nembiri yemashura, kupa maraki ehupfumi uye kugadzira zvelove nelove potion yake iyo inopupurwa nezvuru zvevanhu kuti vakabatsirika mushure mekupinda dare rapapa ava

Ukuwo mhuri dzinobva vanaTinei umwe wevakomana vavakurasha njere dzinonzi dzakati mazvokuda mavanga enyora,hama idzi dzinonzi dzakati hatingapindiri nyaya dzakadai nekuti vanaTinei pavaiponda vanhu vaizviita vasina kutanga vaudza hama dzavo kuti vanzwewo mawonero avo

Papa Makomichi pamusangano wavaita nhasi 21 August muHarare nevatori venhau vati wese anenge arohwa angovaisira massage yezita remunhu arova wacho obva atopenga ipapo ipapo, Papa Makomichi vati maZimbabwean vanenge varohwa vavabate panumber dzavo +263777469342 , vanoti basa iri vanoriita pasina mubhadharo uye munhu uyu haazorapike zvachose

“Nyaya iya yazokwira makata manje, kupenga kuri kuita boyz riya kuri kunzwisa tsitsi,imagine unotengerwa doro kurova munhu asi ikozvino wava benzi mhuri yako yosara ichitambura uya akakutuma achidya achiguta nemhuri yake” anodaro muvakidzani waTinei wekuZaka

Mukupedzisa Papa Makomichi vati mhepo dzaMwari nevadzimu vedu havafari kana ropa rikadeurwa saka naizvozvo vati chiito ichi kukaurisa nhubu, uyezve vati iwe ukauraya munhu hazvirevi kuti mwana wako kana iwe wacho uchafa rufu rwakanaka kudarika wawauraya kana kurwadzisa

Nyika yose iri kukurudzirwa kuchengeta runyararo uye kuvhotera waunoda murunyararo