Muporofita WeMasvingo Oronga Kunozvikanda MuMakarwe emunaLimpopo Kuratidza Simba…
24 January 2024
Spread the love

Mashura nemanenji uye masaramusi avakuitwa nemaporofita zvinoratidza kuti nyika yava kunoguma

Mubhuku dzvene makayambirwa kuti muchenjere maporofita enhema achange aine simba rekufambisa makomo uye kuporesa asi asingabvi kunaJehova

Muporofita wemuguta reMasvingo uyo ane mbiri yemashura nezvishamiso anonzi Isaac Makomichi anonzi azivisa kuti ari kunozvikanda mumakarwe emunaLimpopo kuti aratidze masimba ake

Mwedzi wakapera Makomichi aida kufutsirwa muguva kuMbudzi kwemazuva matatu achiti achazomutswa kuvafi sezvakaita Jesu

Chiitiko chekuvigwa ichi chakakundikana kuburikidza nekunge hurumende yati vanhu vese vanenge vafutsira Makomichi muguva vanosungirwa nyaya yemurder uye trial yavo inoitwa igotopera zuva retatu risati rasvika, izvi zvakapa kuti pashaye munhu akazvipira kufutsira Makomichi muguva maanonzi akaswera arimo pakashaya anofutsira sezvo vemutemo vanonzi vaivepo, kunyangwe hazvo vanhu vane ziso rimwe chete kunonzi vairambidzwa kusvika

Muzvinamapipi uyu akambofamba mbiri gore rakapera paakafambisa gomo, zvisinei kuti vamwe vanhu vaivapo vanoti gomo rakafamba asi havana kunyatsa kunzwisisa kuti zvafamba sei, zvinova zvakaita kuti vamwe vati Makomichi ane mushonga wemasaramusi

Ruzhinji rweZimbabwe runoti runoda kunoona Papa Makomichi vachizvikandira mumakarwe uye vamwewo vatendi vanoti nesimba refaith hakuna chinoramba

Makomichi anozikanwa nehunyanzvi hwekugadzira vana baba panyaya dzemubedroom, kupa maraki emari uye mupfuhwira yake inonzi murume akapiwa anoita chese chinodiwa nemukadzi

Vamwewo vezvitendero vanoti chiitiko chekuzvikanda mumakarwe kuyedza Mwari uye vanoti zvinogona kutadza kupera zvakanaka, rimwe divi revatendi rinoti Makomichi simba rake rakawanda haadyiwi nemakarwe, zvimwewo zvitendero zvinoti zvinoitika asi masaramusi ukuwo vamwe vachiti anofiramo munaLimpopo

Makomichi anzi ati achazivisa date racho uye pazvichaitirwa kuborder , anoti vose vanoda kuuya kuzoona vamubate panhare yake +263777469342 , anotizve munhu wese akasunguka kuuya uye hapana muripo unodiwa

Rumwewo runyerekupe runoti security yaMakomichi ichange ichirambidza vanhu vane ziso rimwe chete kunge varipo

Mukomana uyu simba anaro asi isvikiro, haasi muporofita ,kuzviita anotozviita asi ini kunobva simba rake handikuchenesi, vanodaro madzibaba Moses muHarare