Papa Voti Ndichamuka Kuvafi
4 March 2024
Spread the love

Dai tagara takagadzirira nekuti mazuva ekuguma kwenyika anenge ava pedyo zvakanyanyisa, izvi zvichitevera nevaporofita venhema avo vava kuita zvishamiso zvinovhundutsa

Umwe muporofita wemazuva ekupedzisira anozikanwa nembiri yemasaramusi nemapipi Papa Isaac Makomichi (29) , vanonzi vazozivisa kuti zuva rekuvigwa kwavo muguva vari mupenyu , apo vanoti vachagara muhwiro vachimirira kumutswa kuvafi nezuva retatu sezvakaitika mubhaibheri

Muzvinamapipi uyu anoshopropodzwa zvikurusa nevanhu , achipomerwa mhaka yekushandisa simba raRusifa kuita mashura

Gore rakapera kunonzi muporon’anga uyu akafamba pamusoro pemvura kuKariba, kunyangwe hazvo vaivepo vanoti vakaona kunge masaramusi nokuti havana kunyatsa kunzwisisa zvavakaona

Veruzhinji vanonzi vachakokewa kuMbudzi kuzoona chiitiko ichi uye vanobvumirwa kugarira pahwiro kwemazuva matatu vakamirira kumutswa kwaprophet Isaac Makomichi

Makomichi anoti izvi ari kuzviita kuratidza simba rekutenga , rakanzi nebhaibheri kana mune kutenda mucharaira makomo kuti afambe achibva atofamba

Vamwewo vedzisvondo vanoti Makomichi akafutsirwa haamutswi asi angatofukunurwa awora, ukuwo vamwe vachiti nyanzvi yemashura iyi inozvigona zvekuvigwa ichizomutswa nezuva retatu sekutaura kwayo

“Izvi zviri kuitwa pasi pedingindira rinonzi nekutenda hakuna chinoramba. Munhu wese akasununguka kuuya uye kuzoona hazvibhadharwi , hakuna umwe munhu achapa any update pachiitiko ichi kunze kwangu uye zvese zvichaitwa masikati machena uye hapana muripo unodiwa kuti munhu auye kuzoona

Ndakaita zvizhinji zvinotyisa kudarika kufutsirwa muguva uri mupenyu.Ndichatanga ndaita minamato mitanhatu ,ndokusha mushonga wangu muguva racho then ndozofutsirwa. Pandinomutswa nezuva retatu ndichazoinda kuholiday kuDubai

Vanoda kunge varipo or vanoda kunzwa zvizere ngavandibate panumber dzangu +263777469342 zviri kuitwa pajekerere uye mahara ” anodaro Makomichi

Vamwewo vabva zera vatataura navo vanoti Makomichi anogona kunge akachishanda nenjuzu yechirume uye aine mushonga wekuti vanhu vawone zvisipo

Munhu uyo ane simba hake asi haribvi kuna Mwari, kuGhana kwaanoinda ndiko kunoitwa dare rose. Anodero umwe wevakuru vezvigure