Muporofita Oti Mwari Havasi Kufara Nekushomeka kweBonde muZimbabwe
14 March 2024
Spread the love

Masvingo files….

Muporofita wemuguta reMasvingo Papa Isaac Makomichi, kunonzi akurudzira vari muwanano kuti vaite bonde zvakanyanyisa

Mufundisi uyu anonzi atsoropodzawo vana amai vanonyima varume bonde nechikonzero chekuti murume anenge achikundikana kuwana mari inoita mhuri irarame good life

Makomichi anoti murume nemukadzi vanofanirwa kuita bonde kunyangwe mumba muine nhamo, mufundisi uyu anoindirirazve mberi achiti kana baba namai vakakonana ngavarege kuzopinda muimba yemukati vakatsamwirana

Wongororo inoti vakadzi nevarume variko mazuvano vava kuita chipfambi nekuda kwekushaya bonde rakakwana, kusangogutsikana nemudiwa waunenge unaye, uyewo kushora mari shoma inowanikwa nemurume

Makomichi anonzi ati Mwari havasi kufara nenyika yeZimbabwe nekuda kwekuti vanhu varimo vari kuita bonde shoma

Muzvinamapipi uyu anonzi ati maZimbabweans vachiri pa10% yebonde rinotarisirwa kunge richiitwa kuti Mwari vafare, uyuzve anoti Mwari vanofara kana murume nemukadzi vachigara pamwechete mukuwirirana

Makomichi anozikanwa nembiri yemashura ,hurapi nekupa vanhu maraki kunyangwe hazvo achipomerwa mhosva yekushandisa simba raSatani. Vazhinji vanotaura vanoti vakabatsirika chose pavakabva kwaMakomichi

Vamwewo vechikuru vati mashoko aMakomichi ekuvakiridza mhuri akanaka asi vanotizve zvakaoma kuwanza bonde imo mumba muine nzara

“Bonde ratiri kuita senyika ishomasa, vanhu vakaroorana ngavawanze bonde, level ratiri tichiri pa10% chaipo

Vanhu vakaita bonde rakawanda zvinoita vaite bond uye zvinofadza Mwari nekuti bhuku rinoti berekenai muwande sejecha regungwa munaGenesis 1:28

Kune vaya vana baba vanoti handikwanisi kuita bonde rakawanda nekuda kwezvirwere zvepabonde, kana vanoti vanopera simba panguva yemumba yemukati ngavandibate pa+263777469342 ndivabatsire

Bonde rinofanirwa kuitwa more than 6 times pazuva, chero nhamo chaiyo nenzara inopera mupfungwa dzevawanani nekuti vanenge vachiwana nguva yekufadzana” anodaro Makomichi

Umwewo wechikuru watabata anoti vana amai ngavasanyima varume bonde nekuda kwekuti mumba hamuna mari