ZVIHUTA ZVIRI KUTENGESWA NEMABOND COINS VAMWE VACHICHERA MAKOMBA GOING DEEPER.
Manheru akanaka varanda veZimbabwe.
Nyaya hadziperi muNyika yedu yeZimbabwe. Hurumende yakagara pasi, varume vakuru, vamwe vacho vakadzidza vanemaDegree asiri eFake, vakawirirana kuti Zvihuta hazvichabvumirwi kuchengetwa neVanhu. Vamwe vanorarama nazvo, kana kuzvidya, nekutengesa. Kana nyika ine hurumende yapererwa semaperero eJunta ririkutonga muZimbabwe, ndopavanouya nezviMitemo zvisina kana basa. Kupererwa neNzira dzokuba mari dzedu, saka vakuda kusungisa vanhu neZvihuta.
Apa Pfidza neTuckshop yake yakatadza kuvurwa naPresident, akatanga kuStocker Zvihuta zvacho, $1 for 2, last week but 2, nhasi zvakunzi hazvibvumirwe?
Bond coins nemaPaper eNyika arikuda kuuya aya, hameno kuti vakuru veJunta kuti varikufungei? Vanhu vakawanda vari kunyora maziArticle vachiedza kutsanangura zvichaitika tikabvumira kuti Bond paper money ridzoke. PaNhau dzaBRETT Mu vet, regai tiedze kutsanangura zvokuti even Plumber seni zvangu anogona kunzwisisa… $US haichawanikwi apa hurumende haina mari kubhadhara vashandi.
Saka varikuunza mabond paper kuti vakwanise kuPrinter madiro sezvakaitwa muna2007/2008. Zvichatanga pama Civil servants, vachabhadharwa nemaBond, kubva ipapo Black market ichavurwa zvakare.
Nokuti Junta rakavarisa industry muZimbabwe, maCompany vanoimporter zvinhu. VanoImporter nema$US asi vachitengesa nemaBond?
Vanozowana ma$US kuzoStocker kupi? VanotoCharger nema$US obvious. Black market igozara nema$US, asi kwete ne1:1
Asi nyaya guru, ndeiyi; Vanhu veJunta vachawana ma$US kuBank, nokuti ndivo vanaChef ka. Iwewe neni tikaenda ikoko tonoudzwa kuti hakuna. Apa vachipiwa ne 1:1. Ndivo vachavurisa Black market, vachitengesa ma$US, maybe 100 bond to one $US. Vapedza kudharo, voenda kuBank ne100 bond iye, vowana $US100!!! Imagine kana yave $US1Million munhu arikuita $US99 MILLION PROFIT BABA!!! Hakusi kuti Junta vakupenga aiwa, vakatongwara, inzira yokuba mari yeNyika zvakare.
Lets Dig Deeper. Aiwa, munhu kana achirwisa Junta, tinomuti Shamwari wedu. Asi vamwe vanoda kumbobvunzwa Kuti sei manga makanyarara makore ese aya? Asi huuori wacho wakangotanga pawakadzingwa iwewe? Pese apa wangausingaone here kana kuti wanga wakatopusa zvako zvekuti hapana chawakaona? Zvinondishamisa kuti vana ZIDAZ- Zanu Idiot Demonstrating Against Zanu- vanongovurika maziso pavanodzingwa chete. Kuita kunge munhu abva kuBhabhatidzwa paanobudiswa muMvura muye, maziso kuita kunge Zizi.
Apa munhu wese anobuditswa muZanu anochema chema asi make sure kuti pakati pekuchema anoti…… “but I still support my President” Kurwara chete. Ndopaunoona kuti kuchema kwake ndezve Fake. Nhasi ndopaurikuda kuita zvinhu paMutemo? Nhasi ndopauri kutarisa Constitution? Nhasi ndopaurikuda kutiudza kuti vamwe varikuba? KoPese apa wanga wakanyarara sei? ZIDAZ REMUNHU.
Lets dig deeper inyaya yakangofanana nedzimwe nyaya dzana STOP IT, nana GAMATOX nanaG-40 nana G16-35. Zvinhu zvokuba muZimbabwe zvakuenda zvichiita zvishoma nezviShoma. Saka kana zvakudaro, mbavha dziye dzinenge dzakuda kubira dzimwe Mbavha nokuti hapasisina zvokuba muNyika. Ndopatiri kuona kuti Junta pachezvavo, vakupandukirana nekuti varikuda zvinhu zvevamwe vavo. Kana munhu ajaira kuba $100 000 paMwedzi, kuti adzikise ku$50 000 hazviite. Ngavadyanane zvavo, tinozopedzirana neasara wacho. Ndopanoperera nhau dzanhasi.
2 Replies to “Quail Cash: Digging Deeper| Brett Muvet”
Comments are closed.
Muvet thanx for your observation, These ZANU pf thugs they are now fighting each other to milk a dead cow.
Muvet thanx for your observation, These ZANU pf thugs they are now fighting each other to milk a dead cow.