Open Letter To Gvnt From Victim Of Tropical Cyclone Idai
3 April 2019
Spread the love

Tibatsireiwo hurumende nekutisungirawo Mabvuu mukuru wepa 33 batalion Chipinge (Please help us by arresting one Mabvuu, a senior member at 33 Batalliin in Chipinge).

Hatisi kupiwa zvinhu zvakaita sechikafu kuno kuChimanimani iye achitora kuendesa kumba kwake kwaMusani, matura avo azara. Mafuta ,dovi ,rice hatichatauri (We are not getting food aid here in Chimanimani while he is taking everything to his rural home in Musani, where he is stocking up the food such as cooking oil, peanut butter and rice among others)

.Anoshandisa Honda fit yemuninin’ina wake kututa achienda nazvo kwaMusani,kana muchiti ndinonyepa tumirai mapurisa vanondozviwana ikoko (He uses his brother’s vehicle, a Honda Fit to ferry the foodstuff to Musani, if you think u am lying send police details there and they will find the food there).

Iko zvino arikutsvaga vanoda diseal rekutenga anaaro futi raanotora (Right now he is looking for people that want to buy diesel. He has the diesel because he is also looting that).

Saka please tibarsireiwo tingaurawa nenzara kuno kuChipinge neChimanimani (Please help us before we die of hunger here in Chipinge and Chimanimani).

Uye Rusemwa weward 8 aimbova councilor weward 8 urban. arikutorawo zvinhu zvedisaster reCyclone Idai achipa vanhu veZANU PF vasina kuparadzirwa dzimba achinyima vakaparadzirwa dzimba (One Rusemwa who was once a councilor for Ward 8 urban is also taking aid and giving it to Zanu Pf supporters whose properties or homes have not been affected by Cyclone Idai leaving out those whose homes have been destroyed).

.Izvi zvirikuitika zve kuKopa ,Kaneta aimbova kennel weArmy arikutotora upfu wemavictims achitengesa mushop make,saka tapota hurumende mai Sekai Nzenza tisungireiwo mbavha idzi dzisati dzatiuraya nenzara kuChipinge neChimanimani. (This is also happening in Kopa, where one Kaneta who was once an army Kennel is taking mealie meal meant for the victims and selling it at his shop. We beg for government’s intervention please, Social welfare minister Sekai Nzenza assist us to have these thieves arrested before they kill us here due to hunger in Chipinge and Chimanimani).

Ndanyorawo semunhu akaparadzirwa musha asi ndichinyimwa chikafu kuChimanimani ndatenda (I have written this letter as a person whose home was destroyed but who is being denied food aid in Chimanimani. I thank you.)