Jeffryson Chitando
Isaiah 1:18 Come now,let us reason together ,says the Lord….. . 19
If you are willing and obedient you shall eat the good of the land .
Jehovah anodanidzira anopanga anonyeurira Zimbabweans kuti pasvika matambudziko enyika oda kuti ZanuPF neMDC zvigare pasi vataurirane.
Hapana kunoendwa neuyu haivhiyiwi uyu achitivo haivhiyiwi .Zanu PF ingaswera zvipembedza kuti tiri kutonga asi kutonga vanhu vanemisodzi pamatama hapana kukomborerwa kwamunako.ZanuPF zvininipisei kuti kwemakore anopfuura 40 years matadza kusimuka nyika kuenda pachinhanho chepamusoro.Panoda kuti vamwe vanhu vauye padare.
Pfumo ,mangoromera nezvibhakera hazvitonge matare zvinopunza Musha
Chokwadi mungateura ropa remwana weZimbabwe anyunyuta kuti zvinhu hazvisi kufamba zvakanaka nyika here?
Kuswera kuchema kuti masanctions kana takabirwa sarudzo zvese hapana chinounza pindiso pavana veZimbabwe. Chinozikanwa pavatungamiriri vanoda vanhu vanoisa kutambura kwevanhu pamberi.
Jesu anoti hakuna baba vanoti mwana akumbira hove ivo vomupa nyoka, kana akumbira chingwa anopiwa dombo. Zanu PF makarwa kurwa kwekusunungura nyika kwete kuti muzosungirira vanhu panhamo itai kuti vanhu varasudze vatungamiri vavanoda vakasununguka.
Chinorwadza kutambura kwevanhu veZimbabwe kwete veimwe nyika.Zanu PF munofara here zvuru nezvuru zvezvizvarwa zveZimbabwe zvichitiza nyika yazvo kuenda kune dzimwe nyika?Saka hondo yakarwirwa kuti tizodzinganisa here vana veZimbabwe munyika yavo?
Come now !let us reason together this is our country.
We might differ but we are Zimbabweans. Zanu PF or MDC are political parties in Zimbabwe and for Zimbabweans.
We demand electoral reforms.Let political policies be the choice of an individual. We must never be driven by self lust and propaganda to win votes.
Let us open avenues for Zimbabweans to REASON TOGETHER!
