Muporofita Owona Chitsvuku Mushure Mekuvingwa Pamba Nemapanga Nehama Dzemunhu Waakakanda Chitsinga Cherunyoka
1 July 2021
Spread the love

Morgan Zvemangororo

Imwe hama inoita zvehufundisi yadzidza upenyu nenzira yakaoma, mushure mukuvingwa nevanhu nemapanga kuzoramirwa murume waakaisa mushonga werunyoka

Mufundisi Isaac Makomichi vanogara Masvingo avo vari kupomerwa mhosva yekupa vamwe vakadzi vaviri runyoka kuti vakaurise murume anenge avaramba

Masvondo akapfuura imwe mhuri yekuBudiriro yakaudza mapepa nhau kuti yava kuinda nehama yavo kunoiramwira Makomichi sezvo ariye akabatsira kuroya hama yavo.Mhuri iyi inonzi yakasvika madeko kuma 12am pamba paMakomichi nemapanga,izvo zvakaita muporofita uyu abvise mushonga wake akabatirwa mapanga

Ukuwo mhuri yekuChitungwiza yemurume akabuda muKwayedza mwedzi wakapera kunonziwo vari kuronga kuinda kunoramwa murwere uyu kuna Makomichi sezvo vakawana humbowo hwekuti ndiye akabatsira umwe mumvana kuzvimbisa hama yavo gumbo nedumbu

Vamwewo vanoti Makomichi ari kugona nekuti anokukuvadza kana watambisira munhu nguva yake kana kuti wabvuta munhu wemunhu

Mutauriri waMakomichi anoti mhuri yakauya ichida kuzobatsirwa zvine runyararo,uye Makomichi anoshandisa munamamato kwete mushonga,anotizve mhuri iyi yakabatsirika sezvo Makomichi akabvuma kuti ndiye ainge aisa runyoka rwacho sezvo hama yavo yainge yarwadzisa mwanasikana wevanhu,uye anotizve vaive nemapanga vakazokumbira ruregerero sezvo vaifunga kuti Makomichi anoramba kubvisa runyoka rwaakaisa…