By Ruben Nhukarume
Chinyadziso chikuru chaitika kune umwe musikana anozikanwa muHarare,apo anga achitenga ma apple pane umwe musika mumusha weMbare
Musikana uyu anonzi anga achiburitsa mari mu handbag,ndokubva kwadonha magirazi uye chimwe chigaba changa chiine mafuta akasangana nedandemutande nezvimwewo zvimushonga zvakaita upfu hutsvuku
Mushure mekuputsika kwechibhotoro ichi iye anonzi ati handbag haisi yake,ndokubva ati ndoinda ndonotora muridzi auye akorobhe
Musikana uyu anonzi angopinda mumota ndokubva atoshaikwa panzvimbo
“Vanhu zita ravari kutaura handingati ndiro kana kuti harisi sezvo anga aine mask uyezve vanhu vane muviri mukobvu vakati wandei,asi chigaba chacho changa chakanzi (Star Anointed Potion Prophet Makomichi).Ini ndiri mupostori akakwana saka mushonga uyu hauna chaunoshanda nekuti ndatotsvaira ndikarasa ndikakusha muteuro.Vanhu vatondishaisa mari nekutaurisa ikoko customer yatotiza” anodaro muridzi wemusika
Veruzhinji vanoti vazoungana mukadzi uyu atoinda uye mota isisatoonekwe kuti pawane angatora number dzayo
“Vanhu ava ndivo vanotitorera varume nekuda kwemiti yavo iyoyi yemadande mutande” vanodaro vamwe mai vaona chiitiko ichi
