Mazuva ekupedzisira anoratidza kuti asvika, izvi zvichitevera masaramusi nemapipi anotyisa ava kuitwa nemaporofita emazuva ekupedzisira
Muzvinamapipi Isaac Makomichi weMasvingo uyo anozikanwa nehunyanzvi hwekupa malove portion anonzi anopedza masports uye maraki ehupfumi, mukuru uyu anonzi anyorera tsamba kuhurumende achikumbira mvumo yekufambisa Kariba dam uye kurinyangarisa kwemaminitsi matatu.Kunonzizve mukuru uyu ati vane hurema hwekuva neziso rimwechete vasauya kunyangwe hazvo chikonzero chinobatika asina kuchitaura
Ukuwo vagashira gwaro iri vemuhurumende vanonzi vari kupomera muporofita Makomichi mhosva yekuva muporofita wemazuva ekupedzisira avo vakanzi nebhaibheri vachauya vachiti gomo ibva apo uinde apo uye gungwa ibva apo uinde apo zvichitoitika asi risiri simba raMwari
Makomichi mutsamba yake anzi ati hurumende ngaimupe zuva rayinoda kuti aratidze simba rake iro raatsanangura achiti “nekutenda zvese zvinoita”. Vanoda kuwona,vemapepanhau nevatori venhau vose vakokewa kuti vauye kusara kwevane ziso rimwechete.Mutauriri waMakomichi ati hakuna umwe anotendedzwa kuita press conference panyaya iyi kunze kwaivo papaMakomichi, vane mibvunzo vanzi vabate papaMakomichi panumber dzavo +263777469342 kuti vanzwe zvizere
“Munhu uyu anoshandisa simba repasi pemvura ndiko saka achiita zvinhu zvinoshamisa,muporofita waSatan, pasi pemvura nekuGhana ndiko kwaakatora simba rose uye ane hushamwari nenjuzu yechirume inogara kuGhana ndiyo inomupa simba” vanodaro madzibaba Wonder
Kakawandisa Makomichi achionekwa achigara ari mudzindege kuinda kuGhana pese paanozoita minana yake, gore rakapfuura paakabva kuGhana akazomiswa nehurumende achida kufambisa gomo reMarimba
Vamwewo vazhinjisa vanopupura kuti nhamo dzavo dzakaperera kwaMakomichi kunyangwe hazvo vamwe vemweya vachiti anoshandisa simba renjuzu yechirume
Mukoma Tinashe vari kuSouth Africa vanoti ivo neshamwari dzavo vachaindako kuKariba asi Makomichi akazvitadza pacharohwa munhu