Grandpa (81) Pleads For Help: “Ndinopa Mbudzi Nhatu Kune Anenge Andiwanirawo Number dzaNjuzu”
22 April 2021
Spread the love

Dear Editor
Zvainzi ruchiva ruriko kuvanhu vemazera maduku chete

Vamwe sekuru veZaka vane makore (81) ekuberekwa vanozikanwa nekunzi Hurombiri kunonzi vakasvika pandari vachitaura nyaya yemusikana anonzi Njuzu,uyo ane mifananidzo yaifamba mudzinhare asina kusimira

Hurombiri uyo anozikanwa nekukumbira doro achiita nyambo,kunonzi akati anopa chipo chembudzi nhatu kune anenge amupa nharemhozha yaNjuzu

Sekuru ava vanonzi vakati kana njuzu achinge avada,vakazvipira havo kutengesa mombe dzose dzakauya pamaroora evana vavo,kunonzi mukuru ava vaichemachema nema video aNjuzu avakaona

Veruzhinji vanotiwo Njuzu anobata mishonga yegwezva varume,iyo yaanonzi anopiwa neumwewo anoita zvekushopera asi achizviti muporofita Isaac Makomichi uyo anoita zvekupa mishonga yerudo

Hurombiri anonzi munhu agara ane ruchiva uye anomwa doro achipiwa nevanoseka nyambo dzake

“Mudhara uyo ari mugwara rakanakisa chose nekuti mwana uya (Njuzu) anotoda kuitirwa plan”,anodarowo umwe mukomana wechidiki. – By Muoni