Mumwe murume uyo wekubuda mumapepa gore rakapera achinzi adzingwa basa kumochari iyo yaainzi ari kupomerwa mhosva yekuba mvura dzezvitunha, kunonzi uri kudonha makonye panhengo dzake dzakavanzika, apo iye unonzi unoreura achiti aibata zvitunha chibharo
Samson anova ava kugara Kadoma anonzi ari panguva yakaoma zvikurusa.Muridzi wemukadzi anonzi akati ainge atora runyoka urwu kwakuzvinamapipi muporofita Isaac Makomichi uyo anozikanwa nezvidavado zvemashiripiti ekugadzira dzimba uye kupfumisa vanhu
Aiva muridzi wemukadzi anonzi anoda kuripwa mombe nhatu, ukuwo muzvinamashura anodawo mari inosvika USD$1000 kuti abise rukawu zvisinei nekukumbira kwaSamson uyo anoti domba rainge ramukurira
“Chihure chakashata asi masaramusi aMakomichi akashatisisa nekuti anokonzera kusagadzikana muupenyu,munhu ngaaregererwe zvingogadzirwa pachivande zvisina vemapepa kana madzishe” anodaro hama yamukoma Samson avo vakaparirwa neruchiva rwavo