Musikana anonzi Chenai uyo ari kugara Joni akazvisikira moto muziso nekuda hupfumi nenzira isiri iyo
Murandakadzi uyu anonzi akasungiswa nezuro nemuIndia waashandira achipomerwa mhosva yekuchengeta magic ring iyo inonzi iri kunyangarisa mari dzemurungu uyu dzichiwanikwa dzakazara muma bag asisi Chenai
Nerumwewo rutivi Chenai anoti magic ring yakaita kuti apiwe mari zhinji nezvikomba zvake, anotizve muIndia uyu akabirwa mari iyi karesa asi akazongofungira kuti ndiye mushure mekuwana mari inoita one million rands iri muma bag ake pamwe chete ne magic ring
Saramusi rema ring ririkuitwa namuzvinamapipi weMasvingo anonzi Isaac Makomichi uyo anova anozikamwa nemipfuhwira uye kupfumisa vanhu nemasaramusi ema ring ayo anonzi atekeshera muJoni
Chenai anonzi akatorerwa mari iyi sehumbowo,uye achamiswa pamberi pedare