Ndakarota Ndatora Vakadzi VaGumbura
10 September 2022
Spread the love

NaMorgan Zvemangororo

Umwewo muzvina-mashura weMasvingo mufundisi Isaac Makomichi unonzi wakati chipoko chemufi gumbura chakauya kwaari chikati pavakadzi vangu tora vakanaka vese uvaroore.

Mushakabvu Gumbura uyo wakasiya vakadzi vazhinji mushure mekunge arwara ari muhusungwa.Hama dzemufi dzinonzi dzakati Makomichi akangosvikapo pamusha pavo vanomutema nemashanhu.

Mufundisi uyu anozikanwa nembiri yemapipi anoti kufambisa makomo,kupa vanhu masaramusi ekupfumisa uye love potion yaainge akapa kumufi Moana (shamwarikadzi yaGinimbi) iyo inonzi mupfuhwira yacho iri kutorwa zvikurusa naana sisi vanotengesa miviri yavo kumbinga.

Vamwewo vanoti Makomichi kana achingoda vakadzi ava ngaatore kwete kunyepa achiti chipoko chaGumbura chati ndivaroore.

“Murume uyu unorevesa here kana kuti kungoda hake kudya rifa raGumbura? Ivowo vakadzi vaya imbama chaidzo ini ndotodawo vaviri saka mufundisi ngavasatora vese” anodaro Tinashe wemuHarare.

Mashoko kubva kuna Tesnita mutauriri waMakomichi anoti vanhu vari kunyepera Papa uye muzvina mapipi (Makomichi) anotori a family man anogutsikana netsvarakadenga yake yaakaroora,anoindirira mberi achiti Papa havana kumbodero.